3 Zvino varume vanai vadouya kwaari vadotembedzana murume wanga adotonhora nhengo. 4 Pavadotadza kusvika papfupi naye nokuda kwomhomho yovanhu, vadonyandanura denga roimba yakareyo panga padonangana naJesu. Vadobva vadzikisa mukhangara waiva nomuhwere wavo. 5 Jesu paadoona kutenda kwavo, adoti kuno adotonhora nhengo, "Mwanakomana wangu, zvitema zvako zvaregerehwa."
6 Zvino vamwe vanyori vanga vadogarikika makaremo vadonyairira mumwoyo yavo vachiti, 7 "Seiko munhu wakareyu achinyaira zvidodai? Nghutoshora Mwari kwakareku! NdiMwari basi anokona kuregerera zvitadzo peno!"
8 Pakarepo Jesu adobva wazivirafuti mumweya mache kuti vari kufunga zvakarezvi mumwoyo yavo, adobva wati kwavari, "Muri kufungireiko zvidodarozvo mumwoyo menyu? 9 Nzvipi zvidopusa kuti kumurume adotonhora nhengo, ‘Zvitema zvako zvaregerehwa,’ kana kuti, ‘Sumuka, tora bonde rako, utekaire?’ 10 Manje kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu anomasimba panyika yokuregerera zvitema," adoti kumurume adotonhora nhengo, 11 "Ndinoti kwauri, sumuka, tora bonde rako uende kumba kwako!"
12 Adosumuka ndokuhwengeratu bonde rache achibirika vadomunangara vese. Vese vadoshamisika ndokurumbidza Mwari vachiti, "Zvidodaizvi hatinati tazviona."