Pular para o conteúdo
Publicidade

MARIKO 5

Mwanasikana waJairosi noMukadzi Adobata Mukombero waJesu

21 Jesu adoyambuka kamu gungwa achidzoka kumhiri, vanhu vazinji vadoungana kwaari panyasi pogungwa. 22 Ipopo umwe wovatungamiri vosinagoge waiitiwa Jairosi, paadoona Jesu, adozvikhandira pasi pamberi potsoka dzache. 23 Adomuteterera achiti, "Mwanasikana wangu waakutoda kupfa. Uyai mumuturike ruoko renyu pamusoro kuti achire."

24 Ipopo Jesu adoenda naye, vanhu vazinji vadomutevera vachimusvanikidza.

25 Umwe mukadzi waibirika gazi kwomakore gumi nomairi, 26 wanga watambudziwa pakurapiwa kwaaiitiwa non’angaanga dzidosiyana siyana, nangwesa kwaitova kutaya pfuma yache, pasinai chaimuyamura asi kutoingidzihwa utenda hwache. 27 Paadonzva nozvaJesu adouya nokumasure ndokubata jasi rache. 28 Ndava adofunga kuti, "Ndikandobata mbacha dzache basi ndinochira."

29 Kabodzi nokabodzi gazi ridobva ragwata kubirika, achibva wanzva kuti watopora padenda rache. 30 Pakarepo Jesu adonzvirafuti kuti simba rache rabirika maari, ndokubva wachungunuka mukati mochaunga achiti, "Mbani wabata mbacha dzangu?"

31 Vadzidzi vache vadoti kwaari, "Murikuona vanhu vazinji vadokusvanikidzai, imimi ndopomoti, Mbani wandibata?"

32 Asi Jesu adoramba achinangara nangara kuti aone wanga wamubatayo. 33 Mukadzi achiziva zvanga zvaitika kwaari adotetemera nokucha ndokuuya achiwira pasi pamberi paJesu achimuudza chokwadi chese. 34 Ipopo Jesu adoti kwaari, "Mwanasikana kutenda kwako kwakuporesa. Enda zvako norugare, usununguke kubva padambudziko rako."

35 Achiri kutaura daipo, vamwe vadobva kumba kwomukuru wosinagoge ndokuti, "Mwanasikana wenyu wapfa, muchashupireiko Mudzidzisi?"

36 Jesu haanai kuita basa nozvavadotaura, ndokuti kumukuru wosinagoge, "Reka kucha ndotenda basi." 37 Ipopo adobvumiraba munhu kumutevera kusara kwaPita, Jakobho naJohwani mwanabiyache. 38 Paadosvika kumba kwomukuru wosinagoge, adoona vanhu vachirira maundu, nokubvumvurika nokuridza mhere. 39 Adopinda ndokuti kwavari, "Munoitireiko mhere idodai muchirira? Mwana haanai kupfa asi adoenzera."

40 Vadomuseka. Asi Iye adovabiritsa vese achitora baba namai vomwana novaadouya navo, ndokupinda navo mukamuri yanga idoradzikiwa mwana. 41 Adobata ruoko romusikana achimumutsa achiti kwaari, "Tarita kumi," ndokuti, musikana ndinoti kwauri muka.

42 Kabodzi nokabodzi musikana uye ndiye khwakhwanyaku kumuka nokutekairirafuti, ndava wanga watova nomakore gumi nomairi. Vadoshamisiwa nazvo zvokutosaya nochokunyaira chese. 43 Ipopo adovakohomedza achiti damba wamaudza, ndokuvaudza kuti vamupase chokuja.

Veja também