25 Umwe mukadzi waibirika gazi kwomakore gumi nomairi, 26 wanga watambudziwa pakurapiwa kwaaiitiwa non’anga’anga dzidosiyana siyana, nangwesa kwaitova kutaya pfuma yache, pasinai chaimuyamura asi kutoingidzihwa utenda hwache. 27 Paadonzva nozvaJesu adouya nokumasure ndokubata jasi rache. 28 Ndava adofunga kuti, "Ndikandobata mbacha dzache basi ndinochira."
29 Kabodzi nokabodzi gazi ridobva ragwata kubirika, achibva wanzva kuti watopora padenda rache. 30 Pakarepo Jesu adonzvirafuti kuti simba rache rabirika maari, ndokubva wachungunuka mukati mochaunga achiti, "Mbani wabata mbacha dzangu?"
31 Vadzidzi vache vadoti kwaari, "Murikuona vanhu vazinji vadokusvanikidzai, imimi ndopomoti, ‘Mbani wandibata?’"
32 Asi Jesu adoramba achinangara nangara kuti aone wanga wamubatayo. 33 Mukadzi achiziva zvanga zvaitika kwaari adotetemera nokucha ndokuuya achiwira pasi pamberi paJesu achimuudza chokwadi chese. 34 Ipopo Jesu adoti kwaari, "Mwanasikana kutenda kwako kwakuporesa. Enda zvako norugare, usununguke kubva padambudziko rako."