Jesu Anopasa Zvokuja Vanhu Zviuru Zvishano
30 Zvino nhumwa dzidodzoka ndokuungana pana Jesu dzichimunyepa zvese zvadzidoita nozvadzidodzidzisa. 31 Ukuwo gurusvusvu rovanhu raimbondouya nokuenda zvokuti Jesu novadzidzi vache vadotosaya nonguwa yokuja chaiyo. Ipopo Jesu adoti kwavari, "Mbatibirikei paruzinji tiende pedu tega mumbofemawo kanguwa kapfupi." 32 Saka vadodzokwira mukamwadiya vachienda kwavo vega.
33 Asi vanhu vazinji vadovaona vachienda, futi vadovaziva, saka vadotizirana notsoka vachibva mumaguta yadosiyana siyana ndokuthangira Jesu kusvika. 34 Jesu paadoburuka mukamwadiya adoona gurusvusvu rikuru rovanhu, achibva avanzvira tsitsi nokuti vaiita kunge hwai dzisinai nyakabusa. Saka adothanga kuvadzidzisa zvinhu zvizinji. 35 Kudzoti kwava kudoka, vadzidzi vadouya kwaari vachiti, "Kwadoka, apa tichiri musango. 36 Chiendesai vanhu kumaguta nokumisha vazvitengere zvokuja, vaje."
37 Asi Iye adovapindura achiti, "Vapasei imimi zvokuja zvacho." Ivo vadoti,
"Toenda chere kotenga mazingwa yomadhenari mazana mairi kuti vaje?" (Dhinari ribodzi wanga uri muhoro wozuva ribodzi).
38 Jesu adoti kwavari, "Munomazingwa manganiko? Endai konangara."
Pavadonangara vadoti, "Tinomazingwa mashano nohove dziiri."
39 Ipopo Jesu adoudza vanhu kuti vagarikike pasi pausva hunyoro vadoita zvikwata zvikwata. 40 Saka vadogarikika vadoti apa makumi mashano apa zana. 41 Ipopo Jesu adotora mazingwa mashano nohove dziiri, ndokunangara kudzuru ndokuzvikomborera. Adobva wazvikomora komora achipasa vadzidzi vache kuti vapase vanhu. 42 Vese vadoja vachiguta. 43 Pakarepo vadohwenga zvimepfu zvomazingwa zvidosara ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri nohovewo kamu. 44 Vanhu vadoja vacho vaipfuura zviuru zvishano.