Kuva Pasi poVanomasimba
1 Munhu wese mbaazviise pasi povatongi, ndava hapanai ukuru huripo husinai kumisiwa naMwari. Utongi huripo hudotogadziwa naMwari. 2 Saka uyo anopandukira vatongi anopandukira kugadza kwaMwari, manje vanhu vadodarovo vari kuzvisorera kutongewa.