15 Ndava mudopasiwaba mweya wokuva varanda kuti mugare muchicha, asi mudotambira Mweya woumwana watinodaidza nawo tichiti, "Baba, Baba!" 16 Mweya pachake anopfakaza kumweya yedu kuti tiri vana vaMwari. 17 Manje kana tiri vana, tiri vaji vonhaka, vaji vonhaka yaMwari pabodzi naKhirisitu, kana tichikovana naye matambudziko, tichakovanawo naye kamu kubhwinya kwache.