6 Asi kubva pakusikiwa, Mwari adovaita murume nomukadzi. 7 Nochikonzero chakarecho murume achasiya baba vache namaache (anamatirane nomukadzi wache). 8 Vairi vakarevo vachava nyama ibodzi. Saka vanenge vachiriba vairi asi nyama ibodzi. 9 Saka chabatanidziwa naMwari mbaparege kudzova nomunhu anochikwachanura."