Pular para o conteúdo
Publicidade

Marcos 11

Anopinda muJerusarema Achipemberehwa

1 Pavanga vaakuda kusvika muJerusarema vava paBhetifegi noBhetaniya paGomo roMiorivhi, Jesu adotuma vadzidzi vache vairi. 2 Adoti kwavari, "Endai mumusha wamudonangarana nawo, mukapinda makaremo munoona kamwana koburu kadosungirihwa kasati kambogadhiwa nomunhu, kasugudurei muuye nako. 3 Kana paita anokubvunzai kuti, Muri kukasugudurirei?Mupindurei kuti, Ishe vari kukada, ipopo achakatumira pano tsotsono."

4 Ivo vadoenda ndokuwana kamwana koburu kunze kwomusuo, kadosungirihwa panzira sezvavanga vanyepewa naJesu, ndokukasugudura. 5 Vadobvunziwa novanhu vanga vadomira pakarepo vachivati, "Muri kusudugurirei kaburu kakareko?"

6 Ivo ndokupindura sezvavadoudziwa naJesu, vachibva vavarega vachienda. 7 Vadouya nako kuna Jesu, ndokubva vawaridza hembe dzavo pamusoro pakene, ndokubva iye wakagadha. 8 Vanhu vazinji vadowaridza hembe dzavo, vamwe vachitema mazani yomiti vachimuwaridzira mumugwagwa. 9 Vanga vadotungamira novaitevera mumasure vaidaidzira vachiti, "Hozana! Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe. 10 Hudokomborehwa umambo huri kuuya hwababa vedu Dhavhiti, Hozana kumusorosoro!"

11 Zvino adosvika muJerusarema, ndokupinda muchivanze choimba yaMwari, ndokunangaranangara achiona zvinhu zvese. Sezvo kwakanga kwadoka, adobirika ndokuenda kuBhetaniya novanogumi novairi.

Veja também