Simba Rokutenda
20 Mangwanani yomusi udotevera, pavaipfuura vadoona mukuyu uye waoma nomidzi yese. 21 Pita adokumbuka ndokuti kwaari, "Onai muti wamudoshurikidza uye waoma."
22 Jesu adovapindura achiti, "Ivai nokutenda muna Mwari. 23 Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu upi zvache anoti kugomo iri ‘Birika uende kombwerera mugungwa, asingatsakidze mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaataura zvichaitika, zvinoitika sekutaura kwache. 24 Nokudaro ndinoti kwamuri, chese chamunoda mukachinamatira nokutenda kuti matochitambira, muchachiwana. 25 Futi pese paunonamata, kana pano adokutadzira, muregerere kuitira kuti Baba vako vokudenga vakuregererewo zvitadzo zvako."