Murume anga ano Ruoko Rudoputana
1 Jesu adopinda kamu musinagoge, makaremo manga muno munhu ano ruoko rudoputana. 2 Vadomunangara kuti vaone kana waidzomuporesa nomusi woSabata, kuti vawane mhosva yokudzomunenedzera. 3 Ipopo adoti kumurume wanga anoruoko ridoputana, "Uya pano." 4 Ndokubva wadzovabvunza achiti, "Zvinobvumihwa chere kukohorora kana kudzonga, kuchidza kana kubaya nomusi woSabata?"
Asi vadoramba vadonyarara. 5 Adovanangaranangara noukari, achishushikana zvidonyanya nondava yokuoma mwoyo kwavo, adodzoti kumunhu wanga adoremara, "Tambanudza ruoko rako." Iye adoritambanudza, ndokubva rapora.