Amai novanin’ina’ina vaJesu
31 Ipopo amaache novanin’ina’ina vache vadosvika. Vadomira panze, vadomira daipo vadotuma munhu komudaidza. 32 Zvino mhomho yanga idogarikika naye mumba, idomunyepa ichiti, "Amai venyu novanin’ina venyu vari panze, vari kuda kukuonai."
33 Iye adovapindura achiti, "Amaangu mbani? Vanin’ina vangu mbani?" 34 Adonangara nangara vanhu vanga vadogarikika makaremo, ndokubva wati, "Vakareva ndivo amaangu novanin’ina vangu! 35 Wese anoita zvinodiwa naMwari, ndiye nomunin’ina wangu, nohanzvadzi yangu, namaangu."