Jesu Anodekhadza Duthu noGungwa
35 Mauro yozuva rakarero adovanyepa achiti, "Mbatiyambukirei kumhiri kurimwe divi." 36 Nokudaro vadosiya gurusvusvu rovanhu, ndokuenda naye nokamwadiya sezvaanga ari, panga pano tumwewo tumwadiya twanga turi papfupi naye. 37 Zvino duthu rikuru ridomuka, mapfeni yomvura yadothanga kupinda mukamwadiya, zvokuti kanga kaakutozara. 38 Asi iye wanga adoenzera, adotsamira pamutsago kumasure kwokamwadiya. Ipopo vadomumutsa vachiti, "Mudzidzisi, hamunai hanya nai kuti taakupfa?"
39 Iye adomuka ndokubva wadzuma duthu, ndokukaruza gungwa achiti, "Dekhadzika urose!" Ipopo duthu ridomira, ndokubva kwadekhara. 40 Adobva wati kwavari, "Indava yei muchicha zvidodai, hamunai kutenda nai?"
41 Ipopo vadocha zvidokungudza ndokubva, vanyairirana vachiti, "Anga munhu wakareyu mbani, anototeerehwa noduthu nogungwa?"