38 Paadosvika kumba kwomukuru wosinagoge, adoona vanhu vachirira maundu, nokubvumvurika nokuridza mhere. 39 Adopinda ndokuti kwavari, "Munoitireiko mhere idodai muchirira? Mwana haanai kupfa asi adoenzera."
40 Vadomuseka. Asi Iye adovabiritsa vese achitora baba namai vomwana novaadouya navo, ndokupinda navo mukamuri yanga idoradzikiwa mwana. 41 Adobata ruoko romusikana achimumutsa achiti kwaari, "Tarita kumi," ndokuti, musikana ndinoti kwauri muka.
42 Kabodzi nokabodzi musikana uye ndiye khwakhwanyaku kumuka nokutekairirafuti, ndava wanga watova nomakore gumi nomairi. Vadoshamisiwa nazvo zvokutosaya nochokunyaira chese.