22 Pakarepo mwanasikana waHerodhiyasi adotamba zvidofadza Herudhe novaadokoka vese. Ipopo mambo adoti kumusikana, "Ndikumbire chese chaunoda, ndichakupfupira chakarecho." 23 Adovimbisa nokupika kuti, "Ndinokupfupira chese chawada kusvika pachidimbu youmambo hwangu!"
24 Nokudaro mwanasikana adoenda kobvunza amaache achiti, "Ndikumbire chii?"
Ivo ndokuti, "Kumbira musoro waJohwani Muombeki!"
25 Nokamangu adodzokera kuna mambo ndokumukumbira kuti, "Ndipasei pakarepano musoro waJohwani Muombeki!"
26 Mambo adosurukihwa nazvo maninge, asi adonyara kuchora chivimbiso chache pamberi povanhu vaadokoka. 27 Mambo adotuma uto nokamangu kuti riende kogwata musoro waJohwani, uto ridoenda kutorongo ndokubva ragwata musoro waJohwani, 28 nokuuya nawo uri mumbenge uchibva wapasiwa kumusikana, iye adobva waenda kopasa amaache.