48 Adovaona vachikikiritsana nokamwadiya, ndava duthu ranga richihwisana navo. Mambakwedza pakati ponguwa yochitatu noyochitanhatu adouya kwavari, achitekaira pamusoro pomvura. Waakutoda kuvapindirira, 49 vadobva vamuona achitekaira pamusoro pomvura mugungwa, vachifunga kuti nyhipoko, vadoibongomora mhere. 50 Ndava vese vamuona futi vadobva vabatiwa nokucha.
Asi nokamangu adonyaira navo achiti, "Dekharikai, ndini, rekai zvenyu kucha." 51 Pakarepo adokwira mukamwadiya mavanga vari, duthu ridobva raroserafuti, ipopo vadoshamisika zvidokungudza.