Pular para o conteúdo
Publicidade

Marcos 8

Jesu Anoposha Vanhu Zviuru Zvinai

1 Pamazuva yakareyo padoita futi gurusvusvu rikuru rovanhu ridoungana, futi vanga vasinai chokuja, adodaidza vadzidzi vache ndokuti kwavari, 2 "Ndinonzva tsitsi nogurusvusvu rovanhu ava nokuti ndava navo kwomazuva matatu, apa havachinai chokuja. 3 Kana ndikavadzotsa kudzimba vanonzara vanokomoka munzira ndava vamwe vavo vanobva kurefu zvidonyanya."

4 Asi vadzidzi vache vadomupindura, "Anga munhu angawane poi musango muno zvinogutsa vanhu veseva?"

5 Iye ndokuvabvunza, "Munomazingwa manganiko?"

Ivo ndokuti, "Manomwe."

6 Ipopo adoudza vanhu kuti vagarikike, ndokubva watora mazingwa manomwe yaye, ndokutenda, ndokuyakomora komora achiyapasa vadzidzi vache kuti vakovanise vanhu, ivo ndokuvakovanisa. 7 Vanga vano tuhovewo tushomashoma, paadokomborera, adovaudza kamu kuti vakovanise vanhu. 8 Vadoja vachiguta. Vadodzounganidza zvimepfu zvidosara ndokuzaza matengu manomwe. 9 Vadoja vacho vanga vari varume vanosvika zviuru zvinai, ndokubva wavaendesa.

Veja também