22 Kana zvavo vaiti tidochenjera, vadova madzemwa 23 vadotsinhanisa kubhwinya kwaMwari asingapfe nozvifananidzo zvidoumbiwa kunge munhu kana tushiri nomhuka nozvinosvova.
24 Saka Mwari adovasiya vari muzvido zvokutadza kwomwoyo yavo nokutsambwa dzoupombwe vachiita pakati pavo zvinozvidza miviri yavo. 25 Vadotsinhanisa chokwadi chaMwari nomabwodo, ndokunamata nokushumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, anorumbidziwa nokusingapere Ameni.
26 Nochikonzero chakarechi, Mwari adovasiya vari pakuchiva kunonyadzisa. Zvokuti novakadzi vavo vadotsinhanisa ukama hwochisikihwo vachitora hwavasinai kusikihwa. 27 Nonzira ibodzi bodziyo varume vadosiyawo ukama hudosikiwa kuti huve pakati pavo novakadzi ndokubva vapfiririra kudanana vega vega. Varume vachiita zvisinai mutsigo novarumebiyavo, muunhu hwavo vachitambira mubairo wouyanga hwavo.