14 Anga zvino vanodaidza tini kuna iye wavasinai kutenda kwaari? Pakare vangatende tini muna iye wavasinai kunzva? Ko iko kunzvako vanonzva tini pasinai wavaparidzira? 15 Anga vangaparidze tini pasinai wavatuma? Sekunyohwa kwazvidoitiwa, "Manakiroba peno yadzene tsoka dzinouya nonyaya dzidonaka!"
Publicidade