Kuva Pasi poVanomasimba
1 Munhu wese mbaazviise pasi povatongi, ndava hapanai ukuru huripo husinai kumisiwa naMwari. Utongi huripo hudotogadziwa naMwari. 2 Saka uyo anopandukira vatongi anopandukira kugadza kwaMwari, manje vanhu vadodarovo vari kuzvisorera kutongewa. 3 Ndava vatongi vanochisaba kana uchiita zvidonaka, asi kuno avo vanoita zvidoipa. Unoda kugara usingache vatongi chere? Mboita zvidonaka kuti iye akuretserere. 4 Ndava iye muranda waMwari aripo kukunatsira. Asi kana uchidzonga, icha, ndava bakatwa raanaro anoritakuriraba mahara. Iye muranda waMwari, nhumwa youkari inoranga vanyangadzi. 5 Saka zvidokosha kuti uzviise pasi povanomasimba, aikona nondava yokucha kurangiwa basi, asiwo nokuda kwohana.
6 Chakarechi ndicho chikonzero muchiripa mitero, ndava vanomasimba ava mbaranda vaMwari, vanopa nguwa yavo yese pakutonga. 7 Ripai munhu wese zvaanofanira kuripiwa. Kana iri mitero, ripai mitero, kana iri nzvimbo inoterehwa, itererei, kana vari vanokudziwa, vakudzei, kana vari vanyarikani, vanyarei.