Reka Kutonga Vamwe
1 Tambirai asinai kusimba pakutenda, musingapikisi mafungiro yache. 2 Kutenda kwoumwe kunomubvumira kuja zvese, asi anokutenda kusinai kusimba anondoja muriwo basi. 3 Anoja zvese mbaareke kuzvidza asingaje, noasingaje mbaareke kutonga anoja, ndava Mwari adomutambira. 4 Anga iwepa ndiwe yani kuti utonge muranda womuridzi? kuna Ishe wache anomira kana kuwa. Achamira, ndava Ishe wache anogona kumumisa.