5 Umwe anoona rimwe zuva kunge ridokosha kukunda rimwe; asi umwe anoona mazuva yasinai chayadosiyana. Munhu wese mbaave nochokwadi chopfungwa dzache wega. 6 Anoona rimwe zuva kunge ridokosha kukunda yamwe, anozviitira Ishe. Anoja anojira Ishe ndava anopasa nhendo kuna Mwari, noasingaje anorekera Ishe achitenda Mwari nazvo.