Kutonga kwaMwari
1 Saka haunai chokunenera, iwepa munhu unotonga umwe, ndava chese chaunotongera umwe uri kutozvitonga wega, ndava iwepa unoisa mutongo unoita zvibodzi bodzi. 2 Zvino tinoziva kuti mutongo waMwari pamusoro paivo vanoita zvinhu zvakarezvi uri pachokwadi. 3 Saka iwe munhu unotonga vanoita zvakarezvo asi iwepa uchiitawo zvibodzi bodzizvo, unofunga kuti unopunyuka mutongo waMwari nai?