Publicidade

Romanos 6

12 Saka mborekai kurekerera chitema chichitonga mumuviri yenyu inopfa, kuti mutevere kuda kwachene. 13 Rekai kumbopereka nhengo dzomuviri wenyu kuchitema kuti imbova midziyo yokuitisa zvidoipa, asi riperekei kuna Mwari, sevanhu vadobiritsiwa paipfa vachiisiwa muupenyu, mboperekai nhengo dzomiviri yenyu kuna Mwari kuti ive midziyo yokururama. 14 Ndava chitema chingaveba tenzi wenyu, nokuti hamusi pasi pomutemo asi ponyasha.

Varanda Vokururama

15 Kuti chii? Totadza zvedu nondava yokuti hatisi pasi pomutemo asi pasi ponyasha? Mukho wakareyo! 16 Munozivaba nai kuti kana mazvipereka kunoumwe munhu kuti mumbomuteerera sevaranda, matova varanda vaiye wamunoteererayo, kabanga kuva varanda vochitadzo chinokuisai paipfa, kana kuva varanda vokuteerera kunokuisai pakururama? 17 Asi Mwari mbaatendewe ndava kana zvenyu maimbova varanda vochitadzo, mudodzoteerera nomwoyo wese rudzi rodzidziso yamudovimbiwa nayo pakuipasiwa. 18 Mudosununguriwa kubva pachitema muchiva varanda vokururama.

Veja também

Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-