21 Panguwa iyoiye chii chamaiwana pazvinhu zvakarezvo zvamanga muchiita, zvamava kutonyara nazvo manje? Chaibuda pazvinhu zvakarezvo ipfa. 22 Asi manje mudosununguhwa kubva pachitema muchiva varanda vaMwari, chamunowana apa utsvene nochinobuda pakarepo upenyu husingapere.