Hondo Iri Matiri
14 Tinoziva kuti mutemo ngwomweya; inini ndiri wonyama, ndidotengesewa semuranda kuchitema. 15 Ndinonzvitsitsaba zvandinoita. Ndava zvandinoda kuita ndizvoba zvandinodzoita, asi zvandinozonda zviye, zvakarezvo ndizvo zvandinoita. 16 Manje kana ndichiita zvandisingade kuita, ndinobvuma kuti mutemo udonaka. 17 Saka ndiniba peno ndiri kuzviita, chitema chinogara mandiricho ndicho chiri kuzviita.