Pular para o conteúdo
Publicidade

Romanos 8

35 Mbani achatiparadzanisa norudo raKhirisitu? Ingave nhamu kana kuomehwa, kutambudziwa kana nzara, tsiku kana njodzi, kana hondo? 36 Sekunyohwa kwazvidoitiwa:

"Nondava yenyu tinotarisana noipfa zuva rese,

tinoitiwa kunge hwai dziri kuenda kobaiwa."

37 Neye, pazvinhu zvakarezvi zvese tiri vakundi zvidopindiridza kuburikidza naiye adotida. 38 Ndava ndinochokwadi kuti ingave ipfa kana upenyu, dzingave ngirozi kana vatongi, zvingave zvamanji kana zvinouya, kana masimba yapi zvayene, 39 kana zvidokwirira kana zvokugwiri, kana chimwewo chinhu pazvisikwa zvese, hapanai chinogona kutiparadzanisa norudo raMwari ruri muna Khirisitu Jesu Ishe wedu.

Veja também