Publicidade

Romanos 8

5 Ndava vaye vanorarama vari muunhu hwakare, pfungwa dzavo dzidobatirira pazvido zvonyama, asi vaye vanorarama muMweya, pfungwa dzavo dzidobatirira pazvido zvoMweya. 6 Kufunga kwounhu hwakare, ipfa, asi kufunga kunotongewa noMweya, upenyu norunyararo, 7 ndava pfungwa younhu hwakare idopanduka kuna Mwari, inozviisaba pasi pomutemo waMwari, kana nokuedzeserako inokonaba. 8 Saka vaye vanotongewa nonyama vanokwanisaba kufadza Mwari.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-28_14-13-17-