6 Kufunga kwounhu hwakare, ipfa, asi kufunga kunotongewa noMweya, upenyu norunyararo, 7 ndava pfungwa younhu hwakare idopanduka kuna Mwari, inozviisaba pasi pomutemo waMwari, kana nokuedzeserako inokonaba. 8 Saka vaye vanotongewa nonyama vanokwanisaba kufadza Mwari.