16 Paanga achifamba nomunyasi mogungwa roGaririya, adoona Simoni naAndireya vaiva mukoma nomunin’ina vachikhandira mambure yavo mugungwa, ndava vaiva vabati vohove. 17 Jesu adoti kwavari, "Nditeverei, ndikuitei varauri vovanhu." 18 Nokamangu vadosiirafuti mambure yavo, ndokumutevera.