Murume Anoporesewa naJesu
40 Munhu wanga anomabobo adouya kuna Jesu, ndokupfugama, achimuteterera achiti, "Kana muchida munogona kundinatsa."
41 Jesu adomunzvira tsitsi, ndokutambanudza ruoko rache achimubata. Adoti kwaari, "Ndinoda, chinatsiwa." 42 Kabodzi nokabodzi mabobo yadobirika kwaari, achibva wapora.