5 Paadonangara ndokuona gurusvusvu raiuya kwaari, ndokuti kuna Firipi, "Tichatenga poi mazingwa kuti vanhu ivova vaje?" 6 Adonyaira zvakarezvo kuti amuedze, nokuti Jesu pachake waiziva zvaanga achidzoita. 7 Firipi adomupindura achiti, "Muhoro womwedzi mitanhatu unokwanaba kutenga mazingwa yanoita kuti munhu wese awane kachimepfu."