21 Marita adoti kuna Jesu, "Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu yaipfaba. 22 Asi naipopa ndinoziva kuti chese chamunokumbira kuna Mwari, Mwari anokupasai."
23 Jesu adoti kwaari, "Hanzvadzi yako ichamuka pakare."
24 Marita adoti kwaari, "Ndinoziva kuti achamuka pakare pakumuka kwozuva rokupedzisira."
25 Jesu adoti kwaari, "Ndini kumuka noupenyu; uyo anotenda kwandiri, kana akapfa, asi achararama, 26 futi wese mupenyu anotenda kwandiri achapfaba. Unozvitenda chere?" 27 Adoti kwaari, "Hinde, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Khirisitu, Mwanakomana waMwari, ari kuuya panyika."