9 Jesu adoti kwaari, "Firipi, ndanga ndinemi pesepa, haunati wandiziva? Uyo anenge wandiona waona Baba. Unganyaire tini uchiti, ‘Tinangidzei Baba?’ 10 Unotendaba nai kuti ndiri muna Baba naBaba vari mandiri? Mazvi yandinonyaira kwamuri handinyaire musimba rangu ndega, asi Baba vanogara mandiri vanoita mabasa yavo.