Publicidade

João 19

23 Mauto pavadorovera Jesu vadotora zvipfeko zvache ndokuzviita zvipenga zvinai, uto regarega ridoita charene, nochipfeko chache chomukati. Asi chipfeko chomukati changa chisinai musono, changa chidondoita chibodzi kubva kumusoro kusvika kumukombero, 24 Mauto yadonyairirana yachiti, "Mbatiregei kurikerura, asi mbatikhandei hakata kuti tione kuti richava raani." Zvakarezvi zvanga zviri kuzazisa gwaro rinoti,

"Vadokovana majasi yangu,

ndokukhanda hakata pazvipfeko zvangu." Saka mauto yadoita zvakarezvi.

25 Panyasi pomuchinjikwa waJesu panga padomira Mariya, amai vache nomunin’ina wavo, naMariya mukadzi waKhiropasi, naMariya Magadharini. 26 Jesu paadoona amai vache, nomudzidzi waaida vadomira papfupi, adoti kuna maache, "Amai, uyu ndiye mwanakomana wenyu!" 27 Manje adodzoti kumudzidzi, "Ava ndivo amai vako!" Futi kubvira pakarepo mudzidzi adovatora kuenda kogara navo kumba kwache.

Veja também

Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-