21 Jesu adoti kwaari, "Amai imi, nditendei kuti nguwa iri kuuya, yamusingadzonamata Baba muri pagomo rakareri kana muJerusarema. 22 Munonamata zvamusingazive, isisu tinonamata zvatinoziva, nokuti ruponiso runobva kuvaJudha. 23 Asi nguwa inouya, naipopa yatosvika, yokuti vanamati vochokwadi vachanamata Baba mumweya nomuchokwadi, ndava Baba vanotsvaga vadodaro kudzovanamata.