19 Pavanga vafambisa kamwadiya makhiromita yanenge mashano kana matanhatu, vadoona Jesu achitekaira pamusoro pomvura mugungwa achitonyedza kukamwadiya. Vadocha, 20 asi iye adoti kwavari, "Ndini, rekai kucha." 21 Saka vadoda kumutora kuti apinde mukamwadiya, ipopo kamwadiya kadobva kasvika panyika kwavaienda.