17 Nochikonzero chakarechi Baba vanondida, ndava ndinopereka upenyu hwangu, kuti ndidzohutora pakare. 18 Hapanai anohutora kwandiri, asi ndinohupereka ndega. Ndinosimba rokuhupereka, futi ndinosimba rokuhutora pakamu, murairo wakareyu ndidoupasiwa naBaba vangu."