Pular para o conteúdo
Publicidade

João 11

Ipfa yaRazaro

1 Zvino umwe murume waiitiwa Razaro wanga achihwara, waibva kuBhetani, musha waMariya, mukoma nomunin’ina naMarita. 2 Uyu ndiye uye Mariya wokuzora Ishe mapfuta achipukuta tsoka dzaIshe nobvudzi rache, ndiye wanga anohanzvadzi yaihwara, yaiitiwa Razaro. 3 Saka hanzvadzi dzaRazaro dzidotumira shoko kuna Jesu dzichiti, "Ishe, uyeuye wamunoda wahwara." 4 Asi Jesu paadozvinzva adoti, "Kuhwara kwakareku hakusi kwoipfa, ndokwokuitira kuti Mwari akudziwe kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudziwe nako" 5 Zvino Jesu waida Marita naMariya, naRazaro wacho. 6 Saka paadonzva kuti Razaro wahwara, adoita mazuva mairi adondogara panzvimbo yaanga ari. 7 Mumasure mozvakarezvo adoti kuvadzidzi vache, "Mbatiendei kuJudhiya pakare."

8 Vadzidzi vadoti kwaari, "Mudzidzisi, vaJudha vanga vachida kukutemai nomatombo, asi manje maakuenda kwakarekuye pakare?"

9 Jesu adovapindura achiti, "Pazuva hapanai maawa gumi nomairi nai? Kana umwe munhu akatekaira masikati, haagwetsewe, ndava anovhenekehwa nochiedza chonyika. 10 Asi kana munhu akatekaira usiku, anogwetsewa, ndava haanai chiedza." 11 Wanyaira deipo, ndokudzoti kwavari, "Shamwari yedu Razaro waenzera, asi ndinoenda komumutsa." 12 Vadzidzi vadoti kwaari, "Ishe, kana waenzera, achapora." 13 Zvino Jesu wanga wanyaira zvoipfa yaRazaro, asi ivo vadofunga kuti waireva zvokundozorora adoenzera zvache. 14 Saka Jesu adodzovanyairira zviri pachenu, "Razaro wapfa,

Veja também