Kupinda noKupemberehwa muJerusarema
12 Mangwana chimuka mhomho ikuru idouya kumutambo idonzva kuti Jesu wanga achipinda muJerusarema. 13 Saka vadochora tumathai tomichindwe ndokubirika kosangana naye vachidaidzira vachiti, "Hozana! Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe, adokomborehwa Mambo wovaIzirairi!"