Jesu Anoshambidza Tsoka Dzovadzidzi Vache
1 Zvino mutambo woPhasika usati wasvika, Jesu achiziva kuti nguwa yache yasvika yokuti abirike panyika achienda kuna Baba, paadoda vache vanga vari panyika, adovada kusvika pakupedzisira. 2 Panguwa yokuja kwomauro, jabhurosi wanga watodira kare mumwoyo maJudhasi mwanakomana waSaimoni Sikariyoti pfungwa yokupandukira Jesu. 3 Jesu achiziva kuti Baba vadoisa zvese mumanja yache, futi kuti adouya kubva kuna Mwari futi kuti wanga achienda kuna Mwari, 4 saka adosumuka kubva patafura ndokubisa jasi rache rokunze achidira padivi, achibva wazvisunga nothauro, 5 zvino adodururira mvura mumbiya ndokuthanga kushambidza tsoka vadzidzi achidzipukuta nothauro raanga adozvisunga naro. 6 Adosvika pana Simoni Pita, zvino Pita adobva wati kwaari, "Ishe, maakushambidza tsoka dzangu chere?"
7 Jesu adomupindura, "Zvandiri kuita hauzvizive iye manje, asi uchadzozvinzvitsitsa pasure."
8 Pita adoti kwaari, "Hamungamboshambidza tsoka dzangu."
Jesu adomupindura, "Ndikareka kukushamba, haungave wangu."
9 Simoni Pita adoti kwaari, "Ishe, aikona tsoka dzangu chete asi nomaoko yangu nomusoro wangu futi!"
10 Jesu adoti kwaari, "Uyo anenge washamba zvichadaba kuti ashambidziwe, kusiya kwomakumbo yacheyo chete, ndava watochena muviri wese, futi mudotochena, asi hamusi mese." 11 Ndosaka adoti "Mudochenaba mese" ndava waiziva kuti mbani waidzomupandukira.
12 Paanga washamba tsoka dzavo watotora jasi rache achirisimira nokudzokera panzvimbo yache, adovabvunza achiti, "Manzvitsitsa chere zvandaita kwamuri? 13 Munondidaidza kuti Mudzidzisi uye Ishe, ipopo munokohorora, ndava ndozvandiri. 14 Manje kana inini Ishe wenyu noMudzidzisi, ndashamba tsoka dzenyu, saka munofanirawo kushambidzana tsoka. 15 Nokuti ndakupasai muenzaniso, kuti muitewo zvandaita kwamuri. 16 Ndinokunyepai chokwadi kuti, muranda haakurire tenzi wache, kana nhume haikurire anoituma. 17 Kana muchiziva zvinhu izvozvi, mudokomborehwa kana muchizviita.