16 Futi ndichanamata kuna Baba, ivo vachakupasai umwe Mubatsiri, kuti ave naimimi nokusingapere, 17 iye Mweya wochokwadi, asingakone kutambihwa nonyika, ndava haimuone kana kumuziva, imimi munomuziva, ndava anogara naimimi, futi achava mamuri. 18 Handikusiyei mudoita kunge hungwa, ndichadzoka kwamuri. 19 Asi pakanguwa kadiki, nyika haindione futi, asi imimi muchandiona, ndava ndinorarama, naimipawo muchararama. 20 Pazuva rakarero muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, futi imimi muri mandiri, inini ndiri mamuri. 21 Uyo anomitemo yangu achiichengeta, ndiye chaiye anondida, futi anondida achadiwawo naBaba vangu, nainini ndichamuda futi ndichazvinangidza pachena kwaari." 22 Judhasi, asiri Judhasi Sikariyoti, adoti kwaari, "Ishe, zvinofamba sei kuti munozvinangidza kwatiri, musingazvinangidze kunyika?" 23 Jesu adomupindura achiti, "Kana munhu achindida, achatetekera kudzidzisa kwangu, futi Baba vangu vachamuda, futi tichauya kwaari toita musha wedu naye. 24 Uyo asingandide haaterere kudzidzisa kwangu, futi kudzidzisa kwamudonzva mhwanguba asi mhwaBaba vadondituma. 25 Ndakunyairirai zvinhu zvakarezvi, ndichiri nemi. 26 Asi Mubatsiri, Mweya Mutsvene, achatumiwa naBaba muzita rangu, achakufundisai zvinhu zvese, nokukufungisai zvese zvandidokunyepai.