Jesu Muzambiringa Chaiwo
1 "Ndini muzambiringa wochokwadi, futi Baba vangu murimi. 2 Thai rese riri mandiri risingaite muchero, anoritema, futi thai rese rinoita michero anorichekerera, kuti riite michero mizinji. 3 Mudotonatsiwa kare nokudzidzisa kwandidonyaira kwamuri. 4 Garai mandiri, nainini mamuri. Fanike thai risingakone kuita muchero riri rega, kana risiri pamuzambiringa, naimimiwo hamugone kubereka muchero, asi kutoti muchigara mandiri basi."
5 "Ndini muzambiringa, imimi muri mathai. Uyo anogara mandiri, nainini maari, ndiye anoita muchero idowanda, nokuti pasina inini hapanai chamunoita. 6 Kana munhu asingagare mandiri, anogwatiwa kunge thai wooma, futi mathai yadodaro yanounganidziwa yokhandihwa mumoto yopisiwa. 7 Kana mukagara mandiri, nomashoko yangu yachigara mamuri, kumbirai zvese zvamunoda, muchazviitihwa. 8 Kukudziwa kwaBaba vangu kunonangidziwa nokubereka kwenyu muchero idowanda, zvakarezvo ndizvo zvamudoitira vadzidzi vangu.