11 Futi handichava panyika, asi ivo vari panyika, inini ndiri kuuya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu, ramudondipasa, kuti vave vabodzi, sezvatiri mubodzi. 12 Pandaiva navo, ndidovachengeta muzita renyu ramudondipasa, ndidovachengeta, futi hapanai umwe wavo adotaika asi mwanakomana wokuparadziwa, kuti gwaro rizazisiwe.