Muchato kuKana romuGaririya
1 Pazuva rochitatu kudoitika muchato kuKana romuGaririya. Amai vaJesu vanga variko, 2 futi Jesu novadzidzi vache vanga vakokewawo kumuchato wakareyo. 3 Waini paidopera, amai vaJesu vadomunyepa vachiti, "Havachinai waini."
4 Zvino Jesu adoti kwavari, "Nai amai, munoda kuti ndiitei nazvo? Nguwa yangu hainati yasvika." 5 Amai vache vadobva vanyairira vashandi vachiti, "Itai zvese zvaanokunyepai."
6 Zvino pakarepo panga padogadzikiwa makhate yomabhwe matanhatu, nochikonzero chotsika yokuzvinatsa kwovaJudha. Gate ribodzi raipinda marita yangasvike zana. 7 Jesu adoti kuvashandi, "Zazai makhate yakareya nomvura." Vashandi vadobva vayazaza kuti punumunu. 8 Adodzoti kwavari, "Chitekai muende kopasa mukuru womutambo." Ivo vadobva vaita zvakarezvo. 9 Mukuru womutambo paadoraidza mvura yanga yava waini. Adozivaba kwayanga yabva asi vashandi, vanga vateka mvura ndivo vaiziva. Mukuru womutambo adodaidza murume waichata 10 ndokuti kwaari, "Munhu wese anothanga kukovera waini idonaka, kana vaphunga vakorewa, wodzovapasa waini yomaruhwi. Asi iwewe wanga udondochengeta waini idonaka kusvika manje!"
11 Chakarechi nyhiratidzo chokuthanga, chidoitiwa naJesu paKana roGaririya. Paadonangidza kubhwinya kwache vadzidzi vache vadotenda kwaari.