Jesu Anozvinangidza kuna Mariya woMagadhara
11 Mariya adomira kunze kwoguwa achirira, achirira daipo adokotama achisongorera muguwa, 12 adobva waona ngirozi dziiri dzidosimira zvichena, dzidogarikika panga padoradzikiwa chitunha chaJesu, imwe yanga iri kumusoro imwe kumakumbo. 13 Dzidoti kwaari, "Amai imi, muri kurirei?" Adoti kwadziri, "Ndava vadotora Ishe wangu, futi ndinozivaba kwavadomuisa." 14 Paadonyaira zvakarezvo adocheuka kumasure ndokuona Jesu adomira, asi haanai kumuziva kuti ndiJesu. 15 Jesu adoti kwaari, "Amai imi, sei muri kurira? Mbani wamuri kutsvaga?"
Achifunga kuti ndiye waichengeta dimba, adoti kwaari, "Changamire, kana mamubiritsa, ndiudzei kwamamuisa, kuti ndimutore." 16 Jesu adomudaidza achiti, "Mariya." Iye adochununguka ndokuti kwaari muchiHebheru, "Rabhoni!" zvinoreva kuti mudzidzisi. 17 Jesu adoti kwaari, "Reka kundibata, ndava handinati ndakwira kuna Baba, asi enda kuhama dzangu, wovanyepa kuti ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu."
18 Mariya wokuMagadhara adoenda ndokuti kuvadzidzi, "Ndaona Ishe, futi wandinyepa zvakarezvi zvese."