Pular para o conteúdo
Publicidade

João 21

Jesu Anozvinangidza Kuvadzidzi Vanomwe

1 Mumasure mozvakarezvi Jesu adobirika pachenu kuvadzidzi panyasi pogungwa roTaibheriyasi, futi adozvionesa nomutoo udodai. 2 Simoni Pita, Thomasi waiitiwa womaMhasa, naNatanieri wokuKhana roGaririya, vanakomana vaZebhedhiya pabodzi novamwewo vadzidzi vairi. 3 Simoni Pita adoti kwavari, "Ndaakuenda koraura."

Vadoti kwaari, "Tichaenda naiwewe." Vadobirika ndokupinda mukamwadiya, asi havanai kubata chinhu usiku hwakarehwo. 4 Zuva paranga rakubirika, Jesu adomira pamhenderekedzo yogungwa, uku vadzidzi vadozivaba kuti wanga ari Jesu. 5 Jesu adoti kwavari,

"Shamwari dzangu, munohove chere?" Vadomupindura vachiti, "Neye." 6 Adoti kwavari, "Khandirai mambure kuruji rokamwadiya, kuti mubate." Saka vadoyakhanda, ndokutotadza kuyadhonzera mukati nokuwanda kwohove.

7 Uye mudzidzi waidiwa naJesu adoti kuna Pita, "NdiIshe!" Simoni Pita paadonzva kuti ndiIshe, adopfeka hembe dzache, ndava wanga wadzisunhura, wandosara nozvomukati, adozvikhandira mugungwa. 8 Asi vamwe vadzidzi vadouya vari mukamwadiya, vachizvuva mambure yadozara nohove, ndava vanga vasiri kurefu nopanyika, asi panga padondoita mamita yanokwana zana. 9 Pavadobirika vava panyika vadoona moto womarasha padotosasikiwa hove nomazingwa. 10 Jesu adoti kwavari, "Uyai nodzimwe hove dzamabata popa."

11 Saka Simoni Pita adopinda ndokuzvuva mambure kunze, yanga yadozara nohove dzikurufutidzo, dzanga dzichitosvika zana ribodzi nomakumi mashano yanodzitatu, futi kunyange dzanga dzidowanditsa daipo mambure hayanai kukeruka.

Veja também