31 Nguwa yakareyo vadzidzi vanga vachimukumbira vachiti, "Mudzidzisi, ijai."
32 Asi adoti kwavari, "Ndinochikafu chokuja chamusingazive."
33 Saka vadzidzi vadotaurirana vachiti, "Kuti pangave nowamuvigira zvokuja?"
34 Jesu adoti kwavari, "Chikafu changu ndiko kuita zvinodiwa naiye adondituma, nokupedzisa basa rache.