17 Asi Jesu adovapindura achiti, "Baba vangu vachiri kushanda, nainini ndiri kushanda."
18 Izvozvo ndizvo zvidoitisa kuti vaJudha vatsvagitsitse mabairo yavangamuite, ndava haanai kundochora mutemo woSabata chete, asi waidaidza Mwari kuti ndiBaba vache, kutozvienzanisa naMwari.