Publicidade

João 5

21 Sezvinoita Baba kumutsa vadopfa vachivapasa upenyu, naiyewo Mwanakomana anopasa upenyu munhu waanoda. 22 Baba hapanai wavanotonga, asi vadopasa kutonga kwese kuMwanakomana, 23 kuti vese varemekedze Mwanakomana, sekuremekedza kwavanoita Baba. Asingaremekedze Mwanakomana haaremekedzewo Baba vadomutuma."

24 "Ndinokunyairirai zvochokwadi, uyo anonzva Shoko rangu achitenda kuna iyeyo adondituma, anoupenyu husingapere, haauye pakutongewa, asi wabirika muipfa wapinda muupenyu. 25 Ndinokunyepai chokwadi ndichiti, nguwa iri kuuya, izvozvi yatosvika, apo vadopfa vachanzva dzinga roMwanakomana waMwari, futi vacharinzvavo vachararama. 26 Baba sezvavanoupenyu mavari, saizvozvo vadopasawo Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. 27 Futi vadomupasa simba rochikuriri kuti atonge, ndava Mwanakomana woMunhu. 28 Rekai kushamisiwa nozvakarezvi, nokuti nguwa iri kuuya apo vese vari mumanda vachanzva dzinga rache 29 vobirika, avo vadoita zvidonaka vomukira kuupenyu, avo vadoita zvidoipa vomukira kutongewa."

Vanopfakazira Jesu

30 "Hapanai chandinokona nosimba rangu ndega, ndinotonga sezvandinonzva, kutonga kwangu kudokohoroka, ndava ndinotsvagaba zvangu ndega asi zvinodiwa noadondituma. 31 Kana ndikazvipupurira, upfakazi hwangu hunenge huri hwomabhwodo,

Veja também

Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-