Jesu Anoposha Zviuru Zvishano
1 Mumasure mozvakarezvi Jesu adoenda kumhiri kwogungwa roGaririya raidaidziwawo kuti Taibheriyasi. 2 Manje vanhu vadowanditsavo vadomutevera nondava yokuti vadoona zviratidzo zvaadoita pano vaye vanga vanomatenda. 3 Jesu adokwira pagomo, ndokugarikika novadzidzi vache. 4 Ipopo Phasika, unova mutambo wovaJudha yanga yaakusvika. 5 Paadonangara ndokuona gurusvusvu raiuya kwaari, ndokuti kuna Firipi, "Tichatenga poi mazingwa kuti vanhu ivova vaje?" 6 Adonyaira zvakarezvo kuti amuedze, nokuti Jesu pachake waiziva zvaanga achidzoita. 7 Firipi adomupindura achiti, "Muhoro womwedzi mitanhatu unokwanaba kutenga mazingwa yanoita kuti munhu wese awane kachimepfu." 8 Umwe mudzidzi wache, Andireya anova mukoma nomunin’ina naSimoni Pita adoti kwaari, 9 "Panomukomana pano ano mazingwa yobhaari mashano nohove dziiri, asi izvozvi zvingave chii pavanhu vadowanditsa zvidodai?"
10 Jesu adoti kwavari, "Itai kuti vanhu vagarikike pasi." Zvino panzvimbo yakareyo panga panousva huzinji, vanhurume vadogarikika pakarepo vaitosvika zviuru zvishano. 11 Jesu adodzotora mazingwa, ndokuita munamato wokukomborera, adodzoyakovanisa vanhu vanga vadogarikika, ndokuita zvakarezvo nohove, achivapasa zvidoenderana nozvavaida. 12 Pavadoja vachiguta, adoudza vadzidzi vache achiti, "Unganidzai zvimepfu zvasara kuti pareke kuva nochinotaiwa." 13 Saka vadodzozviunganidza ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri dzozvimepfu zvidosiiwa novadoja kubva pamazingwa mashano yobhaari.
14 Vanhu pavadoona chiratidzo chaadoita, vadoti, "Chokwadi uyu muporofiti waidzouya munyika!"